Mawuto evasori

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuCentral Intelligence Organisation)

Sangano reChenjedzo yeZimbabwe (SCZ) kana kuti Central Intelligence Organisation (CIO) ibazi remawuto evasori vanoshandira hurumende yeZimbabwe nenzira yokuda kuchenjedza Zimbabwe pane zvinhu zvingava njodzi kana zvingakonzera mhirizhonga pahugaro hwakanaka munyika. Sangano iri rinotsvaka uchenjeri panyaya dzakadai seidzi:

  • kuchengetedza runyararo munyika;
  • kudzivirirwa kwenyika;
  • kuchengetedza vatungamiri venyika;
  • kuchengetedza hupfumi hwenyika.

Sangano iri rakavambwa munguva yeRhodesia richishandira hurumende yeVachena rikazopfuurira mberi roshandira hurumende yaVatema kutanga 1980. Vabati vemasangano akadai seCIO vanoshanda zvine ruvaravando vachitsvitsa tsavkurudzo dzavo nguva zhinji.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Jenjedza kana mungwadzo (Intelligence) apa kureva mashoko kana humbowo hunochenjedza vasori kana vatungamiri panzvimbo.

  • Kuputika kwezvombo muguta ravo kwakavangwadza, saka vakagadza boka richatema nhemo dzekuwongorora kupinda kwevapoteri.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Musori (scout, spy, inspector)
  • Mbongorori (Spy).
  • Kushora kana kusora (to spy out) zvinoreva kutsvaga ruzivo pamusoro pemunhu, chinu kana nzvimbo asi izvi zvichiitwa muchivande.

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • MaZulu vanoti ukuhlola (Spy, act as scout; commit high treason) vachireva kusora.
  • Herero vanoti oku-sora (perform act of skill, cunning or strength).
  • MaZulu vanoti ukuhlola (Inspect, examine, look into; explore, survey; test) vachireva kuwongorora. Sokuti: ukuhlola izikole (to inspect schools) kureva kutarira zvikoro.
  • BaKalanga vanoti shola (check on someone or something) kureva kusora. Kinande vanoti oburondo (v. spying on somebody).
  • MaZulu vanoti wonga (draw out information, elicit) zvichireva kusora mashoko?.
  • Yoruba inoti sora (v. To beware; to be watchful; to be circumspect).