Mhuri

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuBuri (mhuri huru))

Shoko rokuti mhuri (family in English) rinoreva vanhu vane ukama hweropa vanoti: baba, amai; vana vavo; sekuru naambuya vakabereka baba; vakoma nevanin'ina vababa; hanzvadzi dzababa zvichingodaro.

  • Mune kumwe kutaura mazwi anoti imba namhatso anoshandiswawo zvakare kureva mhuri. Sokuti imba yaChangamire yakatonga makore anoda kusvika makumi mana.

Vanhu vemhuri imwe vanowanza kunge vachishandisa zita remhuri rakafanana. MuZimbabwe vanhu vemhuri imwe vane mutupo wakafanana.

Mhuri yakakura inotaurwa ichinzi buri.

  • Nhundu (A family and its belongings) apa kureva mhuri nenhumbi dzayo. KuChiChewa mtundu zvinoreva kind, tribe.
  • Mubereki kana mubari munch angava murume kana mukadzi akabereka mwana.
  • Dungwe (whole lineage from first ancestor until now).
  • Mapanze kana mabvumwa (quickness of human growth). Zvichida ndipo panobva zita rokuti Mapanzure.
  • Vatevedzani, ana budandibudewo kana varumudzani (children born one after the other).

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Govero kana magovero (1. Family name; 2. Stock of common descent). Zita rake rokuzvarwa regovero ndiMudzingwa: his chidao is Mudzingwa.

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Ane mhuri ndeane mhurikadzi, mhurirume inozvitsvagira. The one with daughters has a family; sons will look after themselves.
  • Pako hapana radoka. At your home there is no sunset.
  • Kwako hakuna radoka. At your home there is no sunset.

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Swahili inoti mbari (family, clan, tribe). Chewa vanoti mfunda (a family) kureva mhuri.
  • Nyungwe vanoti ubale (family) kureva mhuri. Mamwe mazwi: banja kana mabanja (n. family) kureva mhuri.
  • Mambwe inoti ulupwa. Mamwe mazwi: umulupwa (in the family; relative) kureva mumhuri kana hama.
  • Ila inoti chilu (family. clan, race) kureva mhuri kana dzinza. Zigula vanoti nkolo (family).
  • Zulu inoti umkhaya kana ulusapho (n. members of the family) - vanhu vemhuri imwe. VaTakwane vanoti mmudhi (n. family) kureva mhuri.
  • Tonga vanoti ciinga kana mukwasyi kureva mhuri. Baila vanoti mukwashi kureva mhuri.
  • Venda vanoti muta kana tshaka kureva mhuri. Chiaushi inoti ulupwa (n. family) kureva mhuri.
  • Djimini vanoti sege kana sewe (n. family) kureva mhuri. Mamwe mazwi: sege (n. birth). Vei inoti tawa (n. kindred, relation, family).
  • Hadiyya inoti moollo (n. clan; lineage; close relative). Mamwe mazwi: moolli seera (n. community law).