Sadza

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuBure (resadza))
Sadza nemuriwo

Sadza (corn meal mush) ndicho chokudya chikuru muZimbabwe chinobva muchibage chakagaiwa chotipa hupfu uhwo hunozobikiswa sadza racho. Sadza rinogona kubikwa nehupfu hwezviyo. Kana rabikwa kudai rinenge ravakunzi sadza rezviyo. Rimwe izwi rinoreva sadza asizve richitaridza kukosha kwesadza muupenyu hweVaShona nderinoti jenamuponesi.

  • Anodya sadza anonokora musuva osvinyanga musuva uya, oseva muusavi kwave kuzokabira mukanwa.
  • Kusvinyanga (to mold sadza) zvinoreva kuumba sadza muchanza uchidzvanya kuita kabhora kadoko kanokabirika mukanwa. Sadza rapakurwa mundiro rinonzi mukonde wesadza; kana razonyanya kukura ronzi zimukonde kana kuti gonde resadza. Negonde izita remhuri uye chidawo chedzinza muZimbabwe.
  • Muchiti (Morsel of sadza broken off by hand from portion served to a person, flavoured with side-dish and conveyed to mouth) zvinoreva musuva wesadza wasevewa muusavi.

Midziyo Nezvinhu Zvinoshandiswa Kubika Sadza[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. Hari, shambakodzi
  2. Musika
  3. Mugoti
  4. Mapfihwa
  5. choto
  6. Huni
  7. Moto
  8. Ndiro
  9. Chibhako

Zvidyiwa Zvinodiwa Pakubika Sadza[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. Hupfu hwechibage kana kuti hwezviyo
  2. Mvura inoenderana nehuwandu hwesadza rinodiwa pakudya
  3. Usavi: nyama, madomasi, nemurivo. Mirivo inosanganisira chemberedzagumhana, tsunga, muboora, munyevhe ne covo.
  4. Zvekurunga usavi: munyu

Mabikirwo eSadza Rechibage[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Chekutanga kukwatisa mvura mupoto yesadza kana yakwata unoisa hupfu hwakafanira mukomichi kana mundiro wosanganisa nemvura yakatonhora wokurunga.Wadaro unozvidira mupoto yesadza wokurunga nemugoti kusvikira zvakwata.Kana zvakwata unombozvisiya kwechinguva zviri pamoto.Wadaro unotora hupfu hwako uchiisa mupoto yesadza uchibika nemugoti kusvikira hupfu hwako hwanyatsobatana.Wadaro unotora mugoti womona uchiitira kuti sadza risave nemapundu.Unogona kumborisiya kwechinguva kuti rinyatsoyibva.Wapedza kudaro unotora mugoti womona wochipakurira vanhu .

  • Kubvuwa (Cook a small amount of sadza) zvichireva kunamura kana kuzuzunga. Wandibvuwisa sviupfu svangu ukasazodya sei: you made me cook my little bit of mealie-meal why didn't you eat the sadza?

Mabikirwo eSadza Rezviyo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mabikiro eSadza Emazuvano[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Nhepfenyuro yedzimudzangara yeZBC yaimbova nechirongwa chaikurudzira vateereri kuti vatumire zvinyogwa zvinodunzira mabikiro esadza emazuvano.

Imwe nzira yakabuda pachirongwa ichi ndeyekuti apo sadza richikwata, mubiki anobva aisa cheese yakaitwa mafufu. Mubiki anobva akodzonga kuti cheese inyungudike yobva yavhenga nesadza rinokwata. Mushure mekuita izvi, mubiki anobva abika sadza semabikiro atinongoriita anozivikanwa nemubiki wese. Sadza rinobuda apa rinonaka chaizvo!

Zvivakamuviri Zvinowanikwa Musadza[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. Zvipasimba (energy)
  2. Shuga (carbohydrates)
  3. Mafuta (fats)
  4. Zvivakanyama (Protein)
  5. Imvu rinodiwa kuvaka muviri (dietary minerals):
    1. Zvivakamakodo (Calcium),
    2. Simbi inowedzera ropa (zviparopa) (iron)

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Nhamo yemumwe hairegererwi sadza.
  • Chibvuwere (Small amount of sadza specially prepared for one person e.g. hunter). Kubvuwa.
  • Bure kana nhotombodza yesadza (Sadza cooked unsatisfactorily because of insufficient heat in the final stage of cooking) apa kureva sadza raburwa pamoto risina kushinyira.
  • Chinyange (Act of smoothing and rounding something).
  • Chitunha (Last small spoonful from pot of sadza, placed on the top of a serving of sadza).

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Muto wokupungurirwa haupedzi [sadza].” Izvi zvinoreva kuti munhu vimba nechako nekuti chekupihwa hachiwande kusvika paunoda.
  • Sadza huritamburira hapana angaridya akatambarara.
  • Usasvora mbodza neinozvimbira. Do not despise badly cooked porridge (because) it may make you over-fed.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]