Bununu
From Wikipedia
Bununu zvinoreva munhu asina kupfeka mbatya. Mutsika dzenyika dzemuAfrica kusasimira chinhu chinozvidzwa uye chisingatenderwe pamitemo yenyika. Tsika zhinji dzemuAfrica dzinoti munhu akafamba asina kusimira ava kupenga kana kuti ane mamhepo. Chinhu chinoonekwa chichiratidza munyama kana kuti kutukwa pamunhu iyeye.
Kune dzimwe nyika dzekuMadokero, kuEurope, neNorth America mitemo yenyika inotendedza kuti kuve nenzvimbo dzinosangana vanhu vasian kusimira. Hazvizivikanwe kuti chinangwa chaicho chokunge vanhu vachisangana vasina kusimira ndechei.