Boka revanhu

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuBoka (revanhu))
Boka

Boka (1. Group of people, 2. Polity) zvinoreva chikwata kana kuti chitsama chevanhu vanobatanidzwa nechinangwa chimwechete. Boka ringava: boka remadzimai kuKereke; boka revatambi venhabvu; boka revashandi zvichingodaro.

  • Bokorodzi (Large section of large number; large portion of large quantity of liquid) chikamu chakakura chegungano revanhu.
  • Chipororo (group).
  • Chita (small crowd).
  • Chivunga, chiunga kana chiwunga (party).
  • Chiunga chevanhu (community of peoples). (Genesis 48:4, Bhaibheri reChiNdau).
  • Chamumbwa (crowd) iri izwi ringashanda kuturikira chinonzi global kuEnglish kureva boka rose rezvinhu kana vanhu.
  • Chidzangara (1. Small crowd, 2. Squad, 3. A small party of men assembled for drill, inspection, or other purposes) apa kureva kapoka kaduku kari pakudzidza basa kana kaungana nechimwewo chinangwa. Shoko iri rinoda kutodzana nerekuti chizangaziko. Nzanga (village, society) apa kureva musha.
  • Rudhende, dhidhizha kana mukumbi (1. The rest of a group; people or animals; 2. Generality of, common people). Rudhende rwevanhu zvinoreva boka revanhu vasiri kuverengwa pane vakakosha vasina chigaro chikuru, panzvimbo iyoyo.
  • Gumbi (1. A rabble, 2. A mob, 3. Big crowd)
  • Mavonde (Big gathering of people) - apa kureva gungano guru revanhu.
  • Mbombera (Mixed gathering -male and female) kana mvenge zvinoreva gungano rakasangana vanhu vakasiyana kusanganisira varume nevakadzi.
  • Mbumba kana boka (1. Number of people over whom one has responsibility; 2. In Chewa - means dependants of one mother or female)
  • Dekeweshe (extensive crowd - not moving).
  • Matekeshe, dekeshe kana dekeshera (Act of spreading out e.g. herd of cattle; 2. Very large number of people or animals spread out over an area). Apa kureva kupararira kana kutekeshera.
  • Dekeshe kana dekeshera (Extensive area under fruitful cultivation).
  • Dekamuteka kana madekamuteka (Burden carried by several people together) Akabatwa netsviyo pasangano ndakuitwa dekamuteka navake ndokuiswa kunze.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaNyungwe neMaconde vanoti mbumba (n. crowd) kureva gumbi revanhu. VaMambwe vanoti mfunga (a small group of neighbours) kureva boka diki revavakidzani.
  • VaMambwe vanoti cipani (part of something, small group, shift of workers; congregation) kureva boka revanhu. VaKagulu vanoti chikundi (n. group) vachireva boka.
  • VaZigula vanoti ungame (in groups kureva mumapoka kevanhu. Sokuti: Wapangana ungame (They divided up in groups).
  • VaTonga vanoti imbunga, mpumbi kana impumba (n. crowd) kureva chaunga kana mhomho. Baila vanoti inkamu (small group of people, class at school) kureva kaboka kevanhu.
  • VaLenje vanoti mulongo (n. number of individuals together; group; company, party, band, herd, flock) vachireva bato kana boka. Fananidza nokuti varongo?