Awa (nguva)

Kubva Wikipedia

Awa kana nhambo chiyero chinosandiswa kupima nguva; awa imwe ine mamineti makumi matanhatu (60m) nemasekondi zviuru zvitatu nemazana matanhatu (3,600s). Awa inenge iri chikamu chimwe chezvikamu makumi maviri nemana chezuva (1/24). Awa rinotaridza nevara h kana hr, sokuti awa mbiri (2h). KuChishona zviri nyore kungoshandisa h sezvizvi 10h kureva awa gumi. Vamwe vatauri vanokwanisawo kutaura nokunyora vachiti hawa

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaZigula vanoti ntambo ino (this time). Mamwe mazwi: ntambo ntuhu (next time). Muda kana mwida (period).
  • Kinande vanoti endámbi (n. time; duration).