Amai (vakakubereka)
From Wikipedia
Amai (mother in English) zvinoreva mukadzi akakutakura munhumbu, akazokuzvara.
Mukutaura kweChiShona shoko rokuti Amai rinozoshandiswazve kutaura vakoma nevanin'ina vaAmai vakakuzvara. Vose ndivana Amai.
Senzira yokuremekedza imwe nguva ChiShona chinodaidza madzimai ari pazera rokunge vakaroorwa kuti amai kana kuti ambhuya.
[chinja] Tsumo
- Mai musuva usingasehwi mumuto.
- Nhamo inhamo amai havaroodzwi.
- Kusina amai hakuendwe.