Amai

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuAmai (vakakubereka))

Amai (Chingezi: mother) mai, mhai kana mhamha zvinoreva mukadzi akakutakura munhumbu, akazokuzvara.

Mukutaura kweChiShona shoko rokuti Amai rinozoshandiswazve kutaura vakoma nevanin'ina vaAmai vakakuzvara. Vose ndivana Amai. Rimwe izwi rinoreva amai nderekuti nyina - ndiro riripo patsumo inoti: mbudzi kudya mufenje hufana nyina.

Senzira yokuremekedza imwe nguva ChiShona chinodaidza madzimai ari pazera rokunge vakaroorwa kuti amai kana kuti ambhuya.

  • Manyenye (strong maternal protective urge) svichireva moyo waamai wakasimba pakudzivirira vane.
  • Mapanze kana mabvumwa (quickness of human growth). Zvichida ndipo panobva zita rokuti Mapanzure.
  • Kutimura (to tie child on back) zvichireva kubereka mwana kumusana. Zvichida ndipo panobva zita rokuti Timuri kana Mutimuri??

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mai musuva usingasehwi mumuto.
  • Nhamo inhamo amai havaroodzwi.
  • Kusina amai hakuendwe.
  • Chitanduro ndaamai, mugoti unopihwa anyerere: (kuchiturikirwa competent judge is mother, the stirring stick is given to the quiet one)
  • Amai vanodzvemeredza vana nababa: a mother sees to it that her children become inseparably united to their father.
  • Chinozipa chinoregwa zamu ramai takarirega. Whatever is delicious is to be left since we gave up our mother's breast.
  • Zvikoni-zvikoni amai havaroodzwi. Impossible things are impossible things; a mother cannot be forced to marry.
  • Charamba-charamba, pfuma yamai haikanirwi. What has failed has failed; the mother's wealth cannot be fought for.
  • Kukwira inyore kuburuka kudana mai. It is easy to climb but descending (will cause one) to call for his mother.
  • Mwana kuberekwa vaviri, mugota hamuchemi kacheche. (Some things cannot be done by one person alone, like conceiving a child).

Mituro ye Afrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro Yakapinda ku Chishona[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Chiputukezi vanoti mãe (n. mother) kureva amai. Shoko irori (mãe) vanoritaura vachiti mai.